Matthew 14

Kuurawa kwaJohwani Mubhabhatidzi

1Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu, 2akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari. 3Nokuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake. 4Nokuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye. 5Zvino achida kumuuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora semuporofita. 6Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe. 7Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti achamupa chipi nechipi chaaizokumbira. 8Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi. 9Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe. 10Akatuma vanhu, akagura Johwani musoro mutirongo. 11Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake. 12Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, vakaenda ndokuudza Jesu.

Zvuru zvishanu zvevanhu zvinopiwa kudya

13Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari ega; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta. 14Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.

15Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya. 16Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye. 17Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri. 18Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri. 19Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga. 20Vakadya vese, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere. 21Uye vakange vadya vaiva varume vanenge zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana.

Jesu anofamba pamusoro pegungwa

22Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda. 23Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari ega kunonyengetera; akati ava madekwani, wakange ari ega ipapo. 24Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yakange ichipikisa. 25Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa. 26Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti: Chipoko; ndokudanidzira nekutya. 27Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya. 28Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi, ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura. 29Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu. 30Asi wakati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei! 31Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei? 32Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara. 33Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.

Jesu anoporesa paGenesareti

34Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti. 35Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yese iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vese vairwara. 36Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vese vakabata vakaporeswa.

Copyright information for Shona